1. Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende.
2. Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.”
3. Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira.
4. Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:
5. kubva kuzvizvarwa zvaKohati,Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;