4. Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni,
5. Ibhari, Erishua, Eriperati,
6. Noga, Nefegi, Jafia,
7. Erishama, Bheeriyadha naErifereti.
8. VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaga, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo.
9. Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi;
10. saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?”Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”