9. Vanakomana vaKushi vaiva: Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka. Vanakomana vaRaama vaiva: Shebha naDedhani.
10. Kushi aiva baba vaNimurodhi; uyo akakura akava murwi mukuru panyika.
11. Miziraimi aiva baba vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,
12. vaPataini, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori.
13. Kenani aiva baba vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,