11. Miziraimi aiva baba vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,
12. vaPataini, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori.
13. Kenani aiva baba vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,
14. vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi,
15. vaHivhi, vaAriki, vaSini,
16. vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati.
17. Vanakomana vaShemu vaiva: Eramu, Ashua, Arifakadhi, Rudhi naAramu. Vanakomana vaAramu vaiva: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.
18. Arifakadhi aiva baba vaShera uye aiva baba vaEbheri.
19. Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri: mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; munun'una wake ainzi Jokitani.