1 Madzimambo 9:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka,

2. Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni.

3. Jehovha akati kwaari:“Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose.

1 Madzimambo 9