1 Madzimambo 7:33-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Mavhiri akanga akagadzirwa sokugadzirwa kwamavhiri engoro dzamabhiza; maekesero, marimu, zvipokisi namahabhu zvose zvaiva zvakagadzirwa nendarira.

34. Tafura imwe neimwe yaiva nemibato mina, pakona imwe neimwe, uye yaibudikira kubva patafura.

35. Pamusoro petafura paiva nechitenderere chakanga chakadzika zvinosvika hafu yekubhitit. Zvitsigiro namagwatidziro zvakanga zvakanamatidzwa pamusoro petafura.

36. Akaveza makerubhi, shumba nemiti yemichindwi pazvitsigiro namagwatidziro, napose paigona kuvezwa, nezvishongo zvamaruva kumativi ose.

37. Aya ndiwo magadziriro aakaita tafura gumi. Dzose dzakanga dzakafanana pakuumbwa kwadzo, dzakaenzana pakukura napamaumbirwo.

1 Madzimambo 7