1 Madzimambo 6:25-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Kerubhi rechipiri rakanga rakarebawo makubhiti gumi, nokuti makerubhi maviri aya akanga akafanana pakukura namaumbirwo.

26. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumi.

27. Akaisa makerubhi munzvimbo yomukatikati metemberi, mapapiro amakerubhi akatambanudzwa. Bapiro rerimwe kerubhi raiguma mamwe madziro, bapiro rerimwe richiguma mamwe madziro uye mamwe mapapiro awo aigumana pakati peimba.

28. Akafukidza makerubhi negoridhe.

29. Akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, pamadziro ose akatenderedza mudzimba dzomukati nedzimba dzokunze.

30. Akafukidzawo pasi pedzimba dzomukati nedzimba dzokunze dzetemberi negoridhe.

31. Akagadzirira musuo wenzvimbo tsvene yomukati makonhi omuti womuorivhi; chivivo chapamusoro namagwatidziro zvaiva namativi mashanu.

32. Pamakonhi maviri aya omuti womuorivhi akaveza mifananidzo yamakerubhi, yemiti yemichindwi neyamaruva akazaruka, akafukidza makerubhi nemiti yemichindwi negoridhe rakarohwa.

33. Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana.

1 Madzimambo 6