1 Madzimambo 22:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kwamakore matatu pakati peAramu neIsraeri pakanga pasina hondo.

2. Asi mugore rechitatu, Jehoshafati mambo weJudha akaburuka zasi kundoona mambo weIsraeri.

3. Mambo weIsraeri akanga ati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti Ramoti Gireadhi ndeyedu asi hapana chatiri kuita kuti tiitore zvakare kubva kuna mambo weAramu?”

1 Madzimambo 22