1 Madzimambo 18:41-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Uye Eria akati kuna Ahabhu, “Chienda undodya uye unwe, nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.”

42. Saka Ahabhu akaenda kundodya nokunwa, asi Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akakotamira pasi akaisa chiso chake pakati pamabvi ake.

43. Akaudza muranda wake kuti, “Enda undotarisa kwakadziva kugungwa.” Akakwira akandotarisa.Akati, “Hakuna chiriko uku.”Eria akati, “Dzokerazve,” kanomwe.

1 Madzimambo 18