1 Madzimambo 18:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu.

13. Ishe wangu, hamuna kunzwa here zvandakaita, Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha? Ndakaviga vaprofita vaJehovha zana mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe uye ndakavapa kudya nemvura.

14. Zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Anondiuraya!”

15. Eria akati, “NaJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshandira, zvirokwazvo ndichazvipira kuna Ahabhu nhasi.”

16. Saka Obhadhia akaenda kundosangana naAhabhu akamuudza, uye Ahabhu akaenda kundosangana naEria.

17. Paakaona Eria, akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi weIsraeri?”

18. Eria akapindura akati, “Handina kuuyisa dambudziko kuIsraeri, asi imi nemhuri yenyu ndimi makadaro. Makasiya mirayiro yaJehovha mukatevera Bhaari.

19. Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.”

20. Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri.

21. Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.”Asi vanhu havana chavakataura.

22. Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu.

1 Madzimambo 18