1. Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo.
2. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake.
3. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,